Ezekiel 19

Kuchema pamusoro paMachinda eIsraeri

1“Chema pamusoro pamachinda eIsraeri 2uti:

“ ‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadii
pakati peshumba!
Yaivata pasi pakati peshumba duku
uye yairera vana vayo.
3Yakarera mumwe mwana wayo,
ikava shumba yakasimba.
Yakadzidza kubvambura nyama,
uye yaidya vanhu.
4Ndudzi dzakanzwa nezvayo,
dzikaibata muhunza yadzo.
Vakaenda nayo nezvikokovono
kunyika yeIjipiti.

5“ ‘Yakati ichiona kuti tariro yayo haina kuzadziswa,
yarasikirwa nezvayakanga yakatarisira,
yakatora mumwe wevana vayo
ndokumuita shumba yakasimba.
6Yakafamba ichinyahwaira pakati peshumba,
nokuti yakanga yava shumba ine simba zvino.
Yakadzidza kubvambura chayabata
uye yaidya vanhu.
7Yakakoromora nhare dzavo
uye ikaparadza maguta avo.
Nyika navose vaivamo
vakavhundutswa nokuomba kwayo.
8Ipapo ndudzi dzakarwisana nayo,
vaya vaibva kumatunhu akapoteredza.
Vakaikandira mambure,
iyo ndokubatwa muhunza yavo.
9Vakaipinza muchizarira nezvikokovono
vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi.
Vakaiisa mutorongo,
saka kuomba kwayo hakuna kuzonzwikwazve
pamakomo aIsraeri.

10“ ‘Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa mumunda wako wemizambiringa,
wakasimwa pane mvura;
wakanga une zvibereko uye uzere namatavi
nokuda kwemvura zhinji.
11Matavi awo akanga akasimba,
akanakira kuva tsvimbo yomutongi.
Wakanga wakareba kwazvo
pamusoro pamatavi makobvu akapfumvutira,
waionekera kumusoro-soro nokuda kwourefu hwawo,
uye nokuda kwamatavi awo mazhinji.
12Asi wakadzurwa nehasha
ndokukandwa pasi.
Mhepo yokumabvazuva yakauomesa,
ukazunzwa michero yawo;
matavi awo akasimba akaoma,
uye moto ukaapisa.
13Zvino wakasimwa mugwenga,
munyika yakaoma ine nyota.
14Moto wakapambira uchibva kune rimwe davi rawo guru
ndokupisa michero yawo.
Hapana davi rakasimba rakasara pauri
rakanakira kuva tsvimbo yomutongi.’
Uku kuchema uye kunofanira kushandiswa pakuchema.”

Copyright information for SnaBDSC